Shoko
Rinobaya Sebakatwa
Kana
waunoda avakukusema
Mweya
unopisa semoto uchifema
Kunyangwe
murudo waive gamba
Mwoyo
wobvaruka wotode zvigamba
Musoro
wokura kudarike damba
Mwoyo
shungurudzika kukungura kunyora tsamba
Izvi
zvandinonzwa mumoyo kukungura kuzviramba
Mwoyo
wobvira sounemoto unopfuta
Zvinowobaya
neshoko rinobaya sebakatwa
Nhamo
yakava yangu yokuvamurombo
Ndozvibvunza
kana ndiinewo rakanaka rombo
Mwoyowangu
unoshuva kuimba icho chimbo
Asi
worema sewakasenga makuru matombo
Ndangariro
dzekwatabva nekwataienda
Zvino
ndonzwa kubitirwa andisi ndotofenda?
Kutizvitaurike
azvitaurike muromo worema sematanda
Museve
wemashoko ndiye wandaida akanda
Wobaya
mwoyowangu zvikuru neshoko rinenge bakatwa
Ndini
uyo ndasara ndava ndega
Zvino
izvi zverudo zvazvaramba ndorega?
Kwaari
ndiko maziso anga akaringisa ega!
Zvino
ndokuuya ovesa moto unobvira
Wakabvira
mumwoyo setaitamba bira
Rudo
mumwoyo semvura inotonhodza akanga adira
Zvino
zvaotaura makukutu maodza moyo ndotozvifira
Kutsvaka
runako pachiso semate ini ndatopfira
Sare
ndiri ndoga ndichishuwira kumumirira
Asi
mumoyo nemupfungwa semurume ndotozvisimbira
Kunyangwe
chiitiko ichi chichibaya zvinopinza semunondo
Rekai
ndingo bhururuka segondo
Mashoko
achibaya zvawo semunondo.
No comments:
Post a Comment